Islam

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Chitendero chechiIziramu (Islam in English) iboka revanhu vanonamata Allah akaparidzwa nemuporofita Mohammed. Ruzhnji rwevanhu vanotevedza chinamato ichi vanowanikwa kunyika dzeMiddle East uye nyika dziri kumusoro kweAfrica. Vazhnji vavo vanhu verudzi rwechiArab. Vanhu vanotevedza chitendero ichi vanodanwa kunzi maMuslim. Nyika ine vatendi vechiMuslim vakanyanya kuwanda ndiyo Indonesia; asi vanhu vari kuIndonesia havasi verudzi rwechiArab. Pakunopera kwesenjuri yegumi neshanu (15th Century) vanhu vane chitsama muZimbabwe vakanga chitendero chechiIziramu. Asi nekukura kwenzvimbo dzakanga dzichitorwa nemaPutukezi, vanhu vaitenda muchiMuzirimu vakatangawo kuita vashoma. Asi vaRemba vanowanikwa kuMberengwa vachiri kutevedza chitendero chechiMuzirimu nanhasi.