Inzwi (ururimi)

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search
manzwi e Chichayina

Inzwi (kuChingezi: tone; voice) kana matauriro mashandisirwo eizwi mumutauro kusiyanisa chirevo chemazwi kana girama - ndiko kuti, kusiyanisa kana kushandura mazwi.[1] Mitauro yose yekureketwa inoshandisa manzwi kuratidza manzwiro uye mamwe mashoko emutauro nekupa simbiso, mutsauko ne zvimwe zvinhu zvakadaro mune inodaidzwa kuti kunzwika kwenzwi, asi haizi mitauro yose inoshandisa manzwi kusiyanisa mazwi kana maumbirwo awo, anorongeka kumanzvanyora ne manzvovera. Mitauro ine fcha iri inodaidzwa kuti mitauro ye inzwi; matauriro akasiyana emutauro wakadaro dzimwe nguva anodaidzwa kuti tonimu,[2] nekuenzanisa ne fonimu.

Mitauro ye inzwi inonyanya kushandiswa kuMabvazuva ne kuChamhembechemabvazuva eEzhiya, Afurika, Amerika uye Pasifiki; mitauro ye inzwi pasirose inosvika 70%. Chichayina, Chitai ne Chivhiyetinamu ndiwo mitauro inonyanyo zivikwa inoshandiswa inzwi.

Mamwe mapeji ekutarisa[chinja | edit source]

Mabviro eruzivo[chinja | edit source]

  1. https://en.wikipedia.org/wiki/Tone_(linguistics)#CITEREFYip2002
  2. R.L. Trask, A Dictionary of Phonetics and Phonology, Routledge 2004. Entry for "toneme".