Muduso

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search

Muduso (finance in English) zvinoreva kuwanikwa nokumanejewa kwemari, nokubatwa kwose kwemari pane kutenga nekutengeserana. Boka riri kuripa mari kana kupa mari pane chinhu chiri kutengewa rinonzi riri kudusa. Mari yacho iri kupiwa inonzi muduso zvakare.

Gurukota rinowona nezveMuduso ndiPatrick Chinamasa.

Kupiwa kweZita[chinja | edit source]

Mukutaura kwemazuva ano unonzwa kuchinzi:

  • Wotodusa kana uchida kuti zvifambe - kureva kuti ipa mari - "finance".
  • Takaenda kunoshanya kuKariba, kambani yedu ndiyo yakapa muduso werwendo urwu - we went to visit Kariba and our company financed the trip.

Tikatarisa kukura kwakaita mutauro weEnglish tinoona vaikwereta mazwi kune mimwe mitauro uye mamwe mazwi akatanga ari "slang" akazopinda mukutaura kwemazuva ose achitoshandiswawo kumabasa nevakuru. Shoko rokuti muduso rinenge rakafanira kutsanangura chinonzi "finance".

Muenzaniso[chinja | edit source]

Chinyorwa chiri pano vazhinji vanokwanisa kuchinzwisisa nokuturikira kuenda kuEnglish zviri nyore

  • Pane zambuko rakavakwa rinoyambuka rwizi Zambezi paChirundu. Muduso wokuvaka zambuko iri wakabva kuJapan, Bhanga guru rekuJapan ndiro rakadusa.
  • Mukuturikira kunonzi. A bridge was built that crosses the Zambezi river at Chirundu. The bridge was built with finance from Japan, the Bank of Japan financed the project.