Hukama

From Wikipedia
Jump to navigation Jump to search
Hukama

Hukama (relationship) zvinotaura kuti vanhu ndeve mhuri imwe kana kuti mhuri dzavo dzinodzyidzana kuburikidza nkokunge dzakaroorerana. Kuroorerana kungavapo pazera riri kurarama nhasi kana kuti pamazera akafpuura.

Hama dzepedyo kunyanya ndidzo dzinoti: baba, amai, vana, mukoma, munin'ina hanzvadzi, ambuya, sekuru, murume wako, mukadzi wako.

Munhu wausina hukama naye anonzi mutorwa.

Vamwe vatauri veChiManyika vanoti gamo kureva hukama kana hama.

Zvirevo[chinja | edit source]

  • Muimbi Oliver Mtukudzi akaimba achiti, Zvamunoona husahwira hunokunda hukama.
  • Dzikidzira (take root, come to stay).
  • Mutorwa zvake asi akadzikidzira pano. He may be no relative, but he has come here to stay.
  • Kubaya tange hama vatorwa vakutye. Kill first the relatives (so that) strangers may fear you.
  • Panorwa hama nehama, mutorwa bvira kure. Where relatives fight, a stranger should keep aloof.
  • Ukama hwokwamai hahukanirwi nhaka.
  • Ukama hwokwamai hahuna rwiranhaka.
  • Hukama hunonhuwa. Relationship is scented.
  • Kudya masanga chikuru kuonana. Eating is incidental but the main thing is seeing one another.
  • Aramba ukama apa huku yangu kurarama.

Mitauro yeBantu[chinja | edit source]

  • Giryama vanoti mbari (kindred - one's family and relations) kureva mhuri nehama. Mambwe mupalamano (n. relationship). Kimbundu vanoti ndandu (n. relative). VaNyoro vanoti mwene (n. relation)
  • VaKongo vanoti mfwanana (n. relationship). Mamwe mazwi: vanoti mfwanani (n. similarity, equality, likeness). -amfwanani (the same, equal, alike). Mang'anja vanoti m'phale (n. relative) kureva hama.
  • VaGanda vanoti ruganda kana luganda (family, kindred, relations; company) kureva mhuri nehama. VaChewa vanoti chilawa (agnation - relationship on father's side) kureva hama yekwababa.
  • Yao vanoti ulongo (affinity, relationship), hukama. Mamwe mazwi: mlongo (a relation; member of the same tribal family) kureva hama. Zigula vanoti undugu (kinship, relations, brotherhood) kureva hukama.
  • Lubwisi vanoti kukwataana (be together, be near; connected, related). Mamwe mazwi: bukwataane (relationship). Lubukusu vanoti khuukama (n. relation on mother’s side) ihama yedivi raMai.